Bhaibheri

Mwari Baba Wangu

UMC Nziyo 232

1

Mwari baba wangu ndinowona vanhu Vakasiya nzira dzenyu vari varasiki, Garai neni garai neni nekusingaperi Garai neni garai neni nekusingaperi.

2

Neupenyu hwangu hwakatsonga kwazvo, Asi ndinotenda kuti munogara neni, Garai neni, garai neni, Nekusingaperi.

3

Pasi pano pese, ndinowona kuti Zvinhu zvese zvichapera, imi munogara; Garai neni, garai neni, Nekusingaperi.

4

Vanhu vanobarwa, ivo vanokura, Asi kufa kuchauya, Baba, garai neni; Garai neni, garai neni, Nekusingaperi.

5

Kuti ndichichema nematambudziko, Achapera ndichafara, Baba, garai neni, Garai neni, garai neni. Nekusingaperi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.