Bhaibheri

Mwari Wangu Ndipfuweyi

UMC Nziyo 234

1

Mwari wangu ndipfuweyi Kuti ndibve mukuipa, Ndipei zano rakanaka Rekuita munhu kwaye.

Chorus

Ndisimbisei zvirokwazvo Ndichigere pasi pano, Ndipei mwoyo wakanaka Ndizosvika kumusoro.

2

Kuti ndoda kupumhuka Kubva nzira yenyu, Baba, Nyasha dzenyu ngadziuye, Ndiswededzwe padyo nemi.

3

Apo ndine dambudziko, Kana rufo ruchiuya, Ndipeyiwo rudo rwenyu, Runodzinga kutya kwese.

4

Pakuguma kweupenyu, Baba, ndinomukumbira, Nditambirei zvakanaka, Kuti ndizogara nemi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.