Baba Tinounza Zvipo
UMC Nziyo 269
1
Baba tinounza zvipo Kufambisa basa renyu, Tinounza nekufara Takakomborerwa nemi. Tipei mwoyo yechisepe Kune vese varasiki, Kuti mune vane nzara Munavapa zvipo zvedu.
2
Asi tinotenda imi, Tinomuimbira nhasi, Hatimbokanganwi vamwe Vanogara mune dima; Torai zvipo zvedu, Baba, Tinomupa nekufara, Tumai vafundisi nazvo, Ngavadzidze nzira dzenyu.
3
Zvipo zvedu zvenyamusi, Ngazviende kuvarombo, Ngazvitore rudo rwenyu Kune avo vari kure; Havazivi Jesu Kristu. Havazivi ruponeso, Baba, tumai izvi zvipo Kune avo vanoshaya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.