Bhaibheri

M'ponesi Wakaita Mabasa

UMC Nziyo 270

1

M'ponesi wakaita mabasa misi yese Neniwo ndinodisa kubata basa rangu. Rufaro runouya nebasa runonetsa Nekuti tinokudza M'ponesi wedu ndiro.

2

M'ponesi wakaita shamwari kune vese, Nenivo ndinoedza kuita zvakadaro. Kufara kubatsira varombo nevarwere ZvoJesu akaita kuvanhu ari pasi.

3

M'ponesi wakaita seMubatsiri iye, Neniwo ndinodisa kuita kunga iye. Kuita mubatsiri weavo vanonetswa, ZvoJesu akaita achiri pasi pano.

4

Jehova wakasika neropa rimwe chete, Marudzi ese ese azere pasi pese. Ndizvozvo ngatigare sehama zvakanaka, Kubatsirana tese, zvoJesu akaita.

5

Ndizvozvo, hama dzangu, Ngative vanhu kwavo, Nekuti Tenzi wedu wakange ari kwaye. Nepasi rinodisa vazhinji vakadaro, Kuita basa ravo kukomborera vanhu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.