Rudo Rweavo Vakatenda
UMC Nziyo 292
1
Rudo rweavo vakatenda Rwakanakisa zvirokwazvo, Vanozomutswa nerufaro Vachazogara naM'ponesi.
2
Rufo rweavo vakatenda Ruri zambara rekudenga, Upenyu hwavo pasi pano Hwakatutsirwavo naMwari.
3
Rufo rweavo vakatenda Runosimbisa isu tese, Tinozogara nerufaro, Tinozotenda Mwari wedu.
4
Rufo rweavo vakatenda Runopangidza kune vese Kuti rutendo kuna Jesu Runoponesa kana vafa.
5
Rufo rweavo vakatenda Haruna simba kuvatyisa, Kuziva Mwari kwakanaka Kupinda kundogara chete.
6
Rufo rweavo vakatenda Rwakanyarara rwakanaka, Vanomirira uyo musi Tichakura nerufaro.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.