Jerusarema Itsva
UMC Nziyo 293
1
Jerusarema itsva dzimbahwe rake Mwari Tasuwa kuriona musha weutsvene, Kugere Baba nemurumbwana Vese navo Mweya Mutsvene.
2
Umambo hwake Baba, mumwoyo yavatendi, Hutonge nemasimba, hufanziswe kwese Kunyika dzese, huvenekere Vanhu vese pasi pano.
3
Werera mvura yedi, inwiswe mweya yedu, Ikure zvakanaka kushandira Mwari, Dzikayi zvino, umambo hwedi, Mvura inopona, Kristu.
4
Tofara kuva pano kuita basa rake Nekunzwa mazwi ake akanakisisa, Anoti, "Uyai, garayi nhaka Neni, munokomborerwa."
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.