Faith · Kutenda
6 verses
Verses about trust, belief, and walking with God.
- VaHebheru 11:1
Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotaririra, umbowo hwezvinhu zvatisingavoni.
Now faith is the substance of things hoped for, the evidence of things not seen.
- VaHebheru 11:6
Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unovuya kunaMwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, vuye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.
But without faith it is impossible to please him: for he that cometh to God must believe that he is, and that he is a rewarder of them that diligently seek him.
- VaRoma 10:17
Naizvozvo kutenda kunovuya nokunzwa, nokunzwa kunovuya neshoko raMwari.
So then faith cometh by hearing, and hearing by the word of God.
- VaGaratiya 2:20
Ndakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naKristu; handichiri ini ndinorarama, asi Kristu unorarama mandiri; kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari; wakandida akazvipa nokuda kwangu
I am crucified with Christ: nevertheless I live; yet not I, but Christ liveth in me: and the life which I now live in the flesh I live by the faith of the Son of God, who loved me, and gave himself for me.
- 2 VaKorinde 5:7
nokuti tinofamba nokutenda, hatifambi nokuvona;
(For we walk by faith, not by sight:)
- Mako 11:24
Saka ndinoti kwamuri; Zvinhu zvose zvose zvamunonyengeterera nokukumbira, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo.
Therefore I say unto you, What things soever ye desire, when ye pray, believe that ye receive them, and ye shall have them.
Hymns for this topic
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.