Salvation · Ruponeso
7 verses
Core verses about grace, new life, and being saved.
- Johani 3:16
Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave novupenyu bwusingaperi.
For God so loved the world, that he gave his only begotten Son, that whosoever believeth in him should not perish, but have everlasting life.
- Johani 14:6
Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu; hapana munhu unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.
Jesus saith unto him, I am the way, the truth, and the life: no man cometh unto the Father, but by me.
- Mabasa 4:12
Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingaponeswa naro.
Neither is there salvation in any other: for there is none other name under heaven given among men, whereby we must be saved.
- VaRoma 10:9
kuti, kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumoyo mako, kuti Mwari wakamumutsa kuvakafa, uchaponeswa;
That if thou shalt confess with thy mouth the Lord Jesus, and shalt believe in thine heart that God hath raised him from the dead, thou shalt be saved.
- VaRoma 10:13
nokuti aninani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.
For whosoever shall call upon the name of the Lord shall be saved.
- VaEfeso 2:8
nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari;
For by grace are ye saved through faith; and that not of yourselves: it is the gift of God:
- Tito 3:5
wakatiponesa, asingazviiti nokuda kwamabasa akarurama, atakanga taita isu, asi nokuda kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuberekwa kutsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,
Not by works of righteousness which we have done, but according to his mercy he saved us, by the washing of regeneration, and renewing of the Holy Ghost;
Hymns for this topic
- Mununuri weduAFM 16
- Jesu Kristu ndiM’ponesiAFM 134
- Rukuru ruponeso rwaTenzi wedengaAFM 138
- Hareruya MuponesiBaptist 12
- Muponesi MukuruBaptist 34
- NdaponeswaBaptist 100
- Mununuri ngaakudzweMethodist 13
- Kristu Mununuri weduMethodist 162
- Jesu Muponesi wanguRCZ 5
- Muponesi mamboRCZ 104
- Jesu MuponesiUMC 80
- O Jesu MuponesiUMC 94
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.